1Chronicles (15/29)  

1. Dhavhidhi akazvivakira dzimba muguta raDhavhidhi; akagadzirira areka yaMwari nzvimbo, akaidzikira tende.
2. Zvino Dhavhidhi akati, "Hakuna munhu anofanira kutakura areka yaMwari asi vaRevhi; nokuti ndivo vakatsaurwa naJehovha kutakura areka yaMwari, nokumushumira nokusingaperi."
3. Dhavhidhi akaunganidza vaIsiraeri vose paJerusaremu kuti vaise areka yaJehovha kunzvimbo yayo, yaakanga aigadzirira.
4. Dhavhidhi akaunganidza vanakomana vaAroni navaRevhi;
5. pakati pavanakomana vaKohati, Urieri mukuru, nehama dzake dzine zana namakumi maviri;
6. pakati pavanakomana vaMerari: Asaya mukuru, nehama dzake dzina mazana maviri namakumi maviri;
7. pakati pavanakomana vaGerishomi: Joeri mukuru, nehama dzake dzine zana namakumi matatu.
8. Pakati pavanakomana vaErizafani: Shemaya mukuru, nehama dzake dzina mazana maviri;
9. pakati pavanakomana vaHebhuroni: Erieri mukuru, nehama dzake dzina makumi masere;
10. pakati pavanakomana vaUzieri. Aminadhabhu mukuru, nehama dzake dzine zana negumi navaviri.
11. Dhavhidhi akadana Zadhoki naAbhiyatari vapirisiti, navaRevhi vaiti Urieri, naAsaya, naJoeri, naShemaya, naErieri, naAminadhabhu.
12. Akati kwavari, "Ndimi vakuru vedzimba dzamadzibaba avaRevhi; chizvinatsai imi nehama dzenyu, kuti mukwire neareka yaJehovha Mwari waIsiraeri, kunzvimbo yandakaigadzirira.
13. "Nokuti nemhaka yokuti hamuna kuitakura pakutanga, Jehovha Mwari wedu akatirova, nokuti hatina kumutsvaka sezvatakarairwa."
14. Naizvozvo vapirisiti navaRevhi vakazvinatsa, kuti vakwire neareka yaJehovha Mwari waIsiraeri.
15. Vana vaRevhi vakatakura areka yaMwari pamafudzi avo namatanda akanga aripo, sezvakarairwa naMozisi neshoko raJehovha.
16. Dhavhidhi akataura navakuru vavaRevhi kuti vagadze hama dzavo vave vaimbi vane zvokuridza nazvo, zvaiti mitengeramwa, nembira, namakandira, vazviridze nesimba nokuimbisa nomufaro.
17. Ipapo vaRevhi vakagadza Hemani mwanakomana waJoeri, napakati pehama dzake, Asafi mwanakomana waBherekia; napakati pavanakomana vaMerari, hama dzavo, Etani mwanakomana waKushaya;
18. uye pamwechete navo hama dzavo dzeboka rechipiri, Zekariya, naBheni, naJaazieri, naShemiramoti, naJehieri, naUni, naEriabhi, naBhenaya, naMaaseya, naMatitia, naEriferehu, naMikineya, naObhedhi-Edhomu, naJeyieri, vatariri vemikova.
19. Saizvozvovo vaimbi vaiti Hemani, naAsafi, naEtani, vakagadzwa, vanamakandira endarira kuti vaaridze nesimba;
20. naZekariya, naAzieri, naShemiramoti, naJehieri, naUni, naEriabhi, naMaaseya, naBhenaya, vane mitengerangwa ina manzwi matete;
21. naMatitia, naEriferehu, naMikineya, naObhedhi-Edhomu, naJeyieri, naAzaziya, vane mbira dzina manzwi makobvu kutungamirira vamwe.
22. Kenania mukuru wavaRevhi, ndiye waiimbisa vanhu; ndiye waidzidzisa vanhu kuimba, nokuti akanga achiziva izvozvo.
23. Bherekia naErikana vakanga vari vatariri vemikova yeareka.
24. Shebhanaya, naJoshafati, naNetaneri, naAmasai, naZekariya, naBhenaya, naEriezeri, vapirisiti, ndivo vairidza hwamanda pamberi peareka yaMwari; Obhedhi-Edhomu naJehiya vakanga vari vatariri vemikova yeAreka.
25. Zvino Dhavhidhi navakuru vaIsiraeri, navakuru vechiuru chamazana, vakandobvisa areka yesungano yaJehovha mumba maObhedhi-Edhomu nomufaro.
26. Zvino Mwari akati achibatsira vaRevhi vakanga vachitakura areka yesungano yaJehovha, vakabayira Mwari nzombe nomwe namakondohwe manomwe.
27. Dhavhidhi akanga akafuka nguvo yomucheka wakanaka, navaRevhi vose vakanga vachitakura areka, navaimbi, naKenania, mudzidzisi wokuimba, pamwechete navaimbi; uye Dhavhidhi akanga akafuka efodhi yomucheka.
28. Saizvozvo vaIsiraeri vose vakakwira neareka yesungano yaJehovha vachipururudza, nokuridza mimanzi, nehwamanda, namakandira, vachiridza zvikuru mitengeramwa nembira.
29. Zvino areka yesungano yaJehovha yakati ichisvika muguta raDhavhidhi, Mikaeri mukunda waSauro, akatarira napahwindo, akaona mambo Dhavhidhi achipembera nokutamba; akamushora mumoyo make.

  1Chronicles (15/29)