| ← 1Chronicles (14/29) → |
| 1. | Zvino Hirami mambo weTiro akatuma nhume kuna Dhavhidhi, namatanda emisidhari, navavaki, navavezi, kuti vamuvakire imba. |
| 2. | Dhavhidhi akaona kuti Jehovha akamusimbisa kuti ave mambo waIsiraeri, nokuti ushe hwake hwakanga hwakudzwa kwazvo nokuda kwavanhu vake Isiraeri. |
| 3. | Dhavhidhi akazvitorerazve vamwe vakadzi paJerusaremu, Dhavhidhi akabereka vamwe vanakomana navanasikana. |
| 4. | Zvino ndiwo mazita avana vaakanga anavo paJerusaremu: Shamua, naShobhabhi, naNatani, naSoromoni; |
| 5. | naIbhari, naErishua, naEripereti; |
| 6. | naNoga, naNefegi, naJafia; |
| 7. | naErishama, naBheriyadha, naErifereti. |
| 8. | Zvino vaFirisitia vakati vanzwa kuti Dhavhidhi azodzwa kuti ave mambo wavaIsiraeri vose, vaFirisitia vose vakakwira kundotsvaka Dhavhidhi; Dhavhidhi akazvinzwa, akabuda kuzorwa navo. |
| 9. | Zvino vaFirisitia vakanga vasvika, vakapararira pamupata weRefaimu. |
| 10. | Dhavhidhi akabvunza Jehovha, akati, "Ndokwira kundorwa navaFirisitia here? Muchavaisa mumaoko angu here?" Jehovha akati kuna Dhavhidhi, " Kwira, nokuti ndichavaisa mumaoko ako." |
| 11. | Vakasvika paBhaariperazimi, Dhavhidhi akavaparadzapo; Dhavhidhi akati, "Mwari akapwanya vavengi vangu noruoko rwangu, sokupwanya kwemvura." Naizvozvo vakatumidza nzvimbo iyo Bhaariperazimi. |
| 12. | VaFirisitia vakasiya vamwari vavopo, Dhavhidhi akaraira, vakavapisa nomoto. |
| 13. | VaFirisitia vakapararirazve pamupata uyo. |
| 14. | Ipapo Dhavhidhi akabvunza Mwari zve; Mwari akati kwaari, "Usandovatevera; tsauka ubve kwavari, ugovavamba pakatarisana nemiti yemibharisami. |
| 15. | Zvino kana uchinzwa kutinhira kwokufamba pamisoro yemiti yemibharisami, ipapo unofanira kundorwa; nokuti Mwari akutungamirira kundoparadza hondo yavaFirisitia." |
| 16. | Dhavhidhi akaita sezvakarairwa naMwari; vakaparadza hondo yavaFirisitia kubva paGibhiyoni kusvikira paGezeri. |
| 17. | Mbiri yaDhavhidhi ikabudira kunyika dzose; Jehovha akavhundusa marudzi ose pamusoro pake. |
| ← 1Chronicles (14/29) → |