1Chronicles (13/29)  

1. Zvino Dhavhidhi akarangana navakuru vechiuru chamazana navamazana, navatungamiriri vose,
2. Dhavhidhi akati kuungano yose yaIsiraeri, "Kana imi muchiti zvakanaka, uye kana zvichibva kuna Jehovha Mwari wedu, ngatitume shoko kwose kuhama dzedu dzakasara munyika yose yalsiraeri, nokuvapirisiti navaRevhi vari mumaguta avo anamafuro, kuti vaungane nesu;
3. tidzoserezve areka yaMwari wedu kwatiri, nokuti hatina kuirangarira pamazuva aSauro."
4. Ungano yose ikatenda kuzviita; nokuti vanhu vose vakati zvakanaka.
5. Zvino Dhavhidhi akaunganidza vaIsiraeri vose, kubva paShihori irwo rukova rweIjipiti, kusvikira pavanopinda paHamati, kuti vatore areka yaMwari paKiriatijearimi.
6. Dhavhidhi akakwira, iye navaIsiraeri vose, vakaenda Bhaara, ndiro Kiriatijearimi raiva raJudha, kuzotorapo areka yaMwari, iye Jehovha agere pamusoro pamakerubhi, pavanonamata Zita rake.
7. Vakatakura areka yaMwari pangoro itsva, vakaibvisa paimba yaAbhinadhabhu; Uza naAhio vakafambisa ngoro.
8. Dhavhidhi navaIsiraeri vose vakatamba pamberi paMwari nesimba ravo rose nenziyo, nembira, nemitengerangwa, nengoma, namakandira, nehwamanda.
9. Zvino vakati vachisvika paburiro raKidhoni, Uza akatambanudza ruoko rwake kuti abate areka, nokuti nzombe dzakanga dzogumburwa.
10. Kutsamwa kwaJehovha kukamukira Uza, akamuuraya, nokuti akatambanudza ruoko rwake kuti abate areka; akafirapo pamberi paMwari.
11. Ipapo Dhavhidhi akaora moyo nokuti Jehovha akarova Uza; akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Pereziuza kusvikira zuva ranhasi.
12. Dhavhidhi akatya Mwari nomusi uyo, akati, "Ndingaisa areka yaMwari kumusha kwangu seiko?"
13. Naizvozvo Dhavhidhi haana kuisa areka yaMwari kumusha kwaDhavhidhi, asi akaitsausira kumba kwaObhedhi-Edhomu muGiti.
14. Areka yaMwari ikagara pamhuri yaObhedhi-Edhomu mumba make mwedzi mitatu; Jehovha akaropafadza imba yaObhedhi-Edhomu nezvose zvaakanga anazvo.

  1Chronicles (13/29)