1Chronicles (12/29)  

1. Ava ndivo vakaenda kuna Dhavhidhi paZikiragi, achakavanda nokuda kwaSauro mwanakomana waKishi; ivo vaiva mhare, vaimubatsira pakurwa.
2. Vakanga vakabata uta, uye vaigona kuposha mabwe, nemiseve nouta noruoko rworudyi kana rworuboshwewo; dzaiva hama dzaSauro vokwaBhenjamini.
3. Mukuru akanga ari Ahiezeri, tevere Joashi, vanakomana vaShemaa muGibhiyati; naJezieri, naPereti, vanakomana vaAzimavheti; naBheraka, naJehu muAnatoti;
4. naIshimaya muGibhiyoni, mhare pakati pavana makumi matatu, wairaira vana makumi matatu; naJeremiya, naJahazieri, naJohanani, naJozabhadhi muGedherati;
5. naEruzai, naJerimoti, naBheriya, naShemaria, naShefatia muHarufi;
6. naErikana, naIshiya, naAzareri, naJoezeri, naJoshobhiyami, vaKora;
7. naJoera, naZebhedhia vanakomana vaJehorami muGedhori.
8. Vamwe vavaGadhi vakazvitsaurawo, vakaenda kuna Dhavhidhi kunhare kurenje, varume vane simba noumhare, varume vakanga vadzidza kurwa, vakanga vachigona kubata nhovo nepfumo; zviso zvavo zvakanga zvakaita sezveshumba, uye vaimhanya semharapara pamakomo;
9. Ezeri akanga ari mukuru, wechipiri Obhadhiya, wechitatu Eriabhi;
10. wechina Misimana, weshanu Jeremiya;
11. wetanhatu Atai, wechinomwe Erieri;
12. worusere Johanani, wepfumbamwe Erizabhadhi;
13. wegumi Jeremiya; wegumi nomumwe Makibhanai.
14. Ndivo kuvana vaGadhi vaiva vakuru vehondo; muduku kwavari akanga akaenzana navane zana, nomukuru navane chiuru chezana.
15. Ndivo vakayambuka Jorodhani pamwedzi wokutanga, panguva yarwakafashamira kunhivi dzarwo dzose; vakadzinga vose vakanga vagere pamipata, kumabvazuva nokumavirira.
16. Navamwe vana vaBhenjamini navaJudha vakaendawo kuna Dhavhidhi munhare.
17. Dhavhidhi akabuda akasangana navo, akapindura, akati kwavari, "Kana mauya kwandiri norugare kuzondibatsira, moyo wangu uchava nemi; asi kana mauya kuzondinyengera, kundiisa kuvadzivisi vangu, kunyange ndisine zvakaipa pamaoko angu, Mwari wamadzibaba edu ngaazvione, akutukei pamusoro pazvo."
18. Ipapo mweya wakauya pamusuro paAmasai aiva mukuru wavana makumi matatu, akati, "Tiri vanhu venyu, Dhavhidhi, tiri kurutivi rwenyu, mwanakomana waJese! Rugare, rugare ngaruve nemi, rugare ngaruve navabatsiri venyu; nokuti Mwari wenyu anokubatsirai." Ipapo Dhavhidhi akavagamuchira, akavaita vakuru veboka.
19. KwaManasewo vakabva vamwe, vakaenda kuna Dhavhidhi, nguva yaakaenda navaFirisitia kundorwa naSauro, asi havana kuvabatsira; nokuti madzishe avaFirisitia akarangana, akamudzosa, achiti, "Achatinyengera, achienda kunatenzi wake Sauro, misoro yedu ikava panjodzi."
20. Zvino wakati achienda Zikiragi, vamwe vaManase vakabva, vakasvika kwaari, vaiti, Adhana, naJozabhadhi, naJedhiaeri, naMikaeri, naJozabhadhi, naErihu, naZiretai, vakanga vari vakuru vechiuru chamazana pakati paManase.
21. Vakabatsira Dhavhidhi pakurwa neboka ramakororo; nokuti vose vakanga vari varume vane simba noumhare, navakuru pahondo.
22. Zuva rimwe nerimwe vakasvika kuna Dhavhidhi kuzomubatsira, kusvikira yava hondo huru, sehondo yaMwari.
23. Ndiko kuwanda kwavakuru vakashongera kurwa, vakaenda kuna Dhavhidhi paHebhuroni, kuzodzosera ushe hwaSauro kwaari, sezvakarehwa naJehovha.
24. Vana vaJudha, vakanga vakashonga nhovo nepfumo, vaiva nezviuru zvitanhatu namazana masere, vakanga vakashongera kurwa.
25. Kuvana vaSimiyoni varume vane simba noumhare pakurwa vaiva nezviuru zvinomwe nezana rimwe.
26. Kuvana vaRevhi vaiva nezviuru zvina namazana matanhatu.
27. Jehoyadha aiva mutungamiriri weimba yaAroni; vakanga vanaye vaiva nezviuru zvitatu namazana manomwe;
28. naZadhoki, jaya raiva nesimba noumhare, naveimba yababa vake, vakuru vana makumi maviri navaviri.
29. Kuvana vaBhenjamini, hama dzaSauro, zviuru zvitatu; nokuti kusvikira panguva iyo vazhinji vavo vakaramba vakanamatira imba yaSauro.
30. Kuvana vaEfuraimu zviuru zvina makumi maviri namazana masere, varume vane simba noumhare, vakanga vane mbiri padzimba dzamadzibaba avo.
31. Kuhafu yorudzi rwaManase, zviuru zvine gumi nezvisere, vakanga vakanyorwa mazita avo, vakasvika kuzoita Dhavhidhi mambo.
32. Kuvana vaIsakari, varume vaiziva nguva zvakanaka, uye kuti vaIsiraeri vanofanira kuitei, vakuru vavo vaiva mazana maviri; hama dzavo dzose dzairairwa navo.
33. KuvaZebhuruni, avo vaigona kufamba namapoka, nokugona kurongedza hondo, vakabata nhumbi dzose dzokurwa nadzo, vaiva nezviuru zvina makumi mashanu; vaigona kurwa vasine moyo miviri.
34. KuvaNafutari vakuru vane chiuru chimwe, uye vamwe vakanga vakabata nhovo nepfumo vaiva navo, zviuru zvina makumi matatu nezvinomwe.
35. KuvaDhani vaigona kurongedza hondo, zviuru zvina makumi maviri nezvisere namazana matanhatu.
36. KuvaAsheri, avo vaigona kufamba namapoka, nokugona kurongedza hondo, zviuru zvina makumi mana.
37. Uye mhiri kwaJorodhani, kuvaRubheni navaGadhi nehafu yorudzi rwaManase, avo vaiva nenhumbi dzose dzokurwa nadzo, zviuru zvina makumi maviri.
38. Ava vose, varume vehondo, vaigona kurongedza hondo, vakasvika paHebhuroni nemoyo yakarurama kwazvo, kuzoita Dhavhidhi mambo wavaIsiraeri vose; navaIsiraeri vamwe vose vakanga vanomoyo mumwe kuita Dhavhidhi mambo.
39. Vakagarapo naDhavhidhi mazuva matatu, vakadya nokunwa, nokuti hama dzavo dzakanga dzavagadzirira.
40. Uye vamwe vakanga vagere pedo navo kusvikira kwalsakari naZebhuruni naNafutari, vakauya nezvokudya zvakatakurwa nembongoro, namakamera, namahesera, nenzombe, zviri zvokudya zvoupfu, namapundu amaonde, anamasumbu amazambiringa akaoma, newaini, namafuta, nenzombe, namakwai mazhinji, nokuti mufaro wakanga uripo pakati palsiraeri.

  1Chronicles (12/29)