1Chronicles (10/29)  

1. Zvino vaFirisitia vakarwa navaIsiraeri, varume vaIsiraeri vakatiza pamberi pavaFirisitia, vakawira pasi vaurawa pagomo reGiribhoa.
2. VaFirisitia vakateverera Sauro navanakomana vake kwazvo, vaFirisitia vakauraya Jonatani, naAbhinadhabhu, naMarikishua, vanakomana vaSauro.
3. Sauro akakurirwa kwazvo pakurwa, vapfuri vouta vakamubata; akatambudzika kwazvo nokuda kwavapfuri vouta.
4. Ipapo Sauro akati kumubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, "Vhomora munondo wako, undibaye nawo, kuti ava vasina kudzingiswa varege kusvika vandidadire." Asi mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo wakaramba, nokuti akanga achitya kwazvo. Naizvozvo Sauro akatora munondo wake, akazviwisira pauri.
5. Zvino mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo akati achiona kuti Sauro afa, naiye akazviwisirawo pamunondo wake, akafawo.
6. Naizvozvo Sauro akafa navanakomana vake vatatu; veimba yake yose vakafa pamwechete.
7. Zvino varume vose valsiraeri, vakanga vagere pamupata uyo, vakati vachiona kuti vatiza, uye kuti Sauro navanakomana vake vafa, ivo vakabva pamaguta avo, vakatiza; vaFirisitia vakasvika vakagaramo.
8. Zvino fume mangwana vaFirisitia vakati vachiuya kuzosunungura vakanga vaurawa, vakawana Sauro navanakomana vake vatatu vakafa pagomo reGiribhoa.
9. Vakamusunungura, vakatora musoro wake nenhumbi dzake dzokurwa nadzo, vakatuma nhume kumativi ose enyika yavaFirisitia, kundozivisa vamwari vavo navanhu vavo shoko iro.
10. Vakaisa nhumbi dzake dzokurwa nadzo muimba yavamwari vavo, vakasungira musoro wake mumba maDhagoni.
11. Zvino vanhu vose vaJabheshiGiriyadhi vakati vanzwa zvose zvakanga zvaitirwa Sauro navaFirisitia,
12. mhare dzose dzikasimuka, vakabvisa chitunha chaSauro nezvitunha zvavanakomana vake vakaenda nazvo Jabheshi, vakaviga mapfupa avo pasi pomuoki paJabheshi, vakazvinyima zvokudya mazuva manomwe.
13. Naizvozvo Sauro akafa nokuda kwokudarika kwake kwaakaitira Jehovha, uye nokuda kweshoko raJehovha raasina kuchengeta; uye nokuti akatsvaka mano kusvikiro, kubvunza naro,
14. akasabvunza Jehovha; naizvozvo wakamuuraya, akaisa ushe kuna Dhavhidhi mwanakomana waJese.

  1Chronicles (10/29)